NaEdith Mugabe
Rungwanani zuva richingobuda richitanga kujekesa masango eZimbabwe, Sharai Viola Tungira mudzimai anoshanda ne Akashinga achichengetedza mhuka anomuka achigadzirira kutanga basa.
Sharai anooneka akapfeka nhumbi dzake dzebasa,akamira nehushingi seumwe wamadzimai arikushanda basa rekuchengetedza masango nemhuka.
Umhare hwaSharai chiratidzo chekuti vanhukadzi havasi vekungogara kumba vachiriritira mhuri nekuita mabasa ekumba chete asi vane unyanzvi hwekutogona kuchengetedza mhuka nemasango.
Kunyange zvazvo zvanga zvisina kugamuchirika makareyo,mazuva ano madzimai havasi kuchengetedza mhuka nemasango chete asi varikushandura maonero enharaunda maererano nebasa iri.
Izvi zviri kuzarurira mamwe madzimai nevechidiki mikana yekuti vashandewo basa iri vasingatyi kuti nharaunda inovaona sei.
"Zita rangu ndinonzi, Sharai Viola Tunhira, ndinoshanda ndiri ku Akashinga. Kupinda basa iri kwakaunza shanduko huru muupenyu hwangu. Ndaingoonawo zvirongwa zvekuchengetedzwa kwemhuka nemasango pachivhitivhiti zvinova zvakandikwezva zvikuru kuti ndinge ndichida kuitawo irori basa, uye kuchengetedza mhuka dzemunyika medu," anodaro Sharai.
Pasi rese rakapemberera zuva remadzimai anoshanda mukuchengetedza mhuka dzesango uye nema sango acho (World Female Ranger Week) kubva musi wa 23 kusvika 30 Chikumi.
Vhiki iyi inocherechedza kukosha kwemadzimai anoshanda kuchengetedza mhuka nemasango uye kurangarira zve madzimai akarasikirwa nehupenyu hwavo vachiita basa iri.
MuZimbabwe mune boka rinonzi Akashinga iro rinova rinoratidza kuti madzimai varikushanda nesimba mukuchengetedza mhuka dzesango.
Sharai anotsanangura kuti paakasarudza basa iri mhuri yake yakatadza kugamuchira sarudzo yake.
“Pandakatanga kushanda kuAkashinga, mhuri yangu kunyanya amai vangu vakaratidza kushungurudzika zvakanyanya, vaigarotaura kuti iri basa rakaomarara uye haridi vanhukadzi, asi nekufamba kwenguva vakazoona nekunzwisisa kuti zvavako, madzimai anokwanisa kuitawo basa iri,” Sharai anodaro.
Vanotungamirira bazi reAkashinga muzvare Stacy Crevello vakatsanangura zvinhu zvinodzivirira vakadzi kuti vaenderere mberi kuti vapinde munemabasa ekuchengetedza mhuka uye masango enyika.
"Pandakatanga basa iri, ndaiva ndiri ini munhukadzi chete mumisangano yezve kuchengetedzwa kwemhuka, ndakabatsirika nekuti ndakawana vakandidzidzisa nekufamba neni mubasa iri."
Muzvare Crevello vanowedzera kuti mabasa anotarisiswa kuti madzimai aite nenharaunda dzavanogara uye kusagadzikana kwehupfumi hwenyika ndizvo zvezvimwe zvinhu zvinokonzera madzimai kuti vatore mabasa ekuchengetedza mhuka.
VaAmos Gwema, vanovawo vanoshanda basa rezvekuchengetedza mhuka nemasango vakatsigira zvikonzero zvakataurwa na muzvare Crevello, uye vakawedzera kuti kuoma kwebasa iri kunokonzera kuti madzimai atye kana kutadza kupinda kubasa iri.
“Vakadzi vanoita zvekuchengeta mhuka nemasango vanosangana nedambudziko rekuti vanhu vemunharaunda dzavanoshandira zvinovaremera kuti vange vachivimba navo nekuti vanhukadzi."
Vakawanda vanotarisirwa pasi nevavanogara navo kunyangwe nevanenge vabatwa vachipara mhosva mumasango," vanodaro vaGwema.
Kunyangwe zvazvo madzimai achisangana nematambudziko akasiyana mubasa ravo rekuchengetedza mhuka, Akashinga yakaisa matanho anoita kuti basa ravo rirambe richienderera mberi.
Muzvare Crevello vakati mukushanda kwavo kwese vaitsigira nekufambisa mabasa ekuti vakadzi vapinzwe mubasa rekuchengetedza mhuka nemasango.
Akashinga yakakosha nekuti yakajekesa kuti madzimai ndivo ramangwana rekuchengetedzwa kwemhuka nemasango.
Kunyangwe zvazvo pane zvipingaidzo zvekuti madzimai vasange vari mubasa rekuchengetedza mhuka, vanoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka nemasango vanoti kuwanikwa kwemadzimai mubasa iri kunosimbisa kuchengetedzwa kwemhuka nemasango.
VaGwema vanoti madzimai vakakosha pakusimbisa hukama huri pakati pekuchengetedzwa kwemhuka nemasango nenharaunda dzavanogara.
Madzimai vanoumba kuvimbika kwakanyaya nemamwe madzimai ari munharaunda mavanogara ivo, nekuti vanhu vemunharaunda vanokwanisa kutaura nemadzimai kudarika varume," vanodaro vaGwema.
Kuwanikwa kwemadzimai anochengetedza mhuka kwakakosha zvikuru munharaunda dzavanogara.
Agnes Matiki anova mudzimai anogara munharaunda inoshandirwa nemadzimai eAkashinga anorumbidza kuvapo kwemadzimai aya.
“Pese patinomhan’ara kuti paita mhuka irikushungurudza munharaunda, madzimai eku Akashinga vanokurumidza kuuya kuzotibatsira, izvi zvinosimbisa kuchengetedzwa kwedu munharaunda, kuvapo kwavo kunotipa kugadzikana zvakanyanya munharaunda yatinogara.”
Agnes akatsinhira zvekare kuti madzimai ekuAkashinga vava muenzaniso wakanaka kuvana uye mamwewo madzimai ari munharaunda yedu.
VaGwema vanoti basa ririkuitwa nemadzimai aya ririkushandura kuchengetedzwa kwemasango nemhuka muno muZimbabwe.
“Kubva ku Akashinga muZimbabwe neBlack Mamba yekuSouth Africa madzimai arikubata basa guru raimbofungidzirwa kuti ndere varume chete.Izvi zvirikupawo kurudziro kuvasikana vechidiki kuti vaone kuti hapana basa rinonzi iri hauite nekuti uri munhukadzi," vanodaro.
Kushanda kurikuita Sharai nevamwe vake mukuchengetedza mhuka nemasango kwakakosha zvikuru nekuti mucherechedzo wekuti madzimai arikupiwa mikana yakenzana nevarume.
Muzvare Isheanesu Chirisa vanova Mukuru we Women and Law in Southern Africa vakati madzimai ndivo hwaro hwenharaunda saka zvinokosha kuvapinza mumabasa akakosha kudai.
“Madzimai ndivo vanoita basa rekuchera mvura, kutsvaga huni nekuchengetedza nharaunda yavanogara. Nekuda kwemabasa aya madzimai ndivo vanonzwisisa mamiriro enharaunda dzavanogara. Kuchengetedzaa kwenharaunda nekukwidziridza kodzero dzemadzimai zvinofambirana," vanodaro.
Muzvare Chirisa vakatsinhira kuti mabasa anoitwa neAkashinga anoratidza zvidzidzo zvakakosha zvinopfuura kuchengetedzwa kwemhuka nemasango.
Kuna Sharai kubudirira kwake kukuru hakusi mukupfeka hanzu dzebasa rake, asi kuri mukuziva kuti vasikana vadiki vanotarisa kwaari semuenzaniso wakanaka.
Sharai anotsanangura kuti vhiki reWorld Female Ranger, ivhiki rinorumbidza mabasa anoitwa nemadzimai anochengetedza mhuka nemasango.
World Female Ranger Week, ivhiki inoratidza basa guru rinoitwa nemadzimai anochengetedza mhuka nemasango.
Pavhiki ino yekupembedza mabasa anoitwa nemadzimai anochengeta mhuka nemasango,nyaya yaSharai inotaridza shanduko hombe pamaonero ave kuita vanhu basa iri.
Basa iri harichatorwi serevarume chete asi sechinhu chinogona kungoitwa kunyange nemudzimai akangova neushingi neumhare nechido chekuchengetedza mhuka.
Akashinga iyo ine zita rakabva muvara rekuti kushinga muchishona iboka rinotungamirwa nemadzimai rinowanikwa muZimbabwe,Botswana,Mozambique neZambia.
Akashinga inokoshesa madzimai uye
hutungamiri hweboka iri hwakavakwa pahwaro hwekuti kodzero dzemudzimai pamberi uye hapana basa rinonzi nderevarume chete.
