Kodzero dzemadzimai dzinoda kuiswa pamberi mu Energy Transition
naKudzai Tamary Chikiwa
Mazuva ano nhaurirano dzakawanda dziri pamusoro penyaya yekushanduka kwemamiriro ekunze (climate change). Nekuda kwezvo, vanamazvikokota varikuti zvirinani kuti nyika dzisiye kushandisa mafuta anokanganisa kunze (non renewable energy) akaita semarasha edu ekuHwange dzishandise ayo akacheneswa sezuva (solar energy) nemamwewo.
Shanduko iyi ndiyo inonzi " energy transition"
Zvino hatigoni kutaura nezveshanduko iyi pasina munhu wemudzimai nekuti ndiye anonyanya kubatwa nenyaya dzekushandiswa kwemafuta pamusha.
Mudzimai ndiye anotakura mutoro wekutsvaga huni, kubika, uye kuona kuti pamusha pakatsvinda.
Zvese izvi zvinoenderana nemhando yemafuta ari kushandiswa pamba.
Shanduko iyi haigone kunzi “just energy transition” kana isingaisi kodzero dzemadzimai pamberi.
Mukuru we Economic Justice for Women Project (EJWP), Margaret Mutsamvi, anoti madzimai anofanira kuve nechekuita pakurongwa kweshanduko iyi uye apiwewo mikana yekuisa miono yavo.
> “Madzimai haafaniri kuramba ari kumashure achitemerwa zviga ivo vasipo. Vanofanira kugara pamatare apo panotorwa sarudzo dzemafuta anofanira kushandiswa. Vanofanira kupihwa mukana wekupa muono wavo kuitira kuti just energy transition iyi ive inotarisawo kodzero dzemadzimai,” akadaro Mutsamvi.
Senzira yekusimudzira ruzivo rwemadzimai, Mutsamvi akaunganidza madzimai echidiki makumi maviri anobva kunzvimbo 14 dzine zvicherwa munyika yeZimbabwe kuti vawane dzidziso pa Summer Academy.
Academy iyi yaive nedingindira rekuti:
> “Kupa simba kunharaunda nekusimudza izwi remudzimai pakugadzirira kupinda mu Just Energy Transition.”
> “Academy iyi ndiyo mongo we just energy transition — patiri kudzidzisa madzimai kuti vasangogara vakanyarara asi vave neizwi rinonzwika muhurukuro dzakakosha kudai,” Mutsamvi akawedzera kudaro.
Nyaya ye gender-just energy transition inobva mukuda kuona kuti madzimai haambunyikidzwi, kunyanya munzvimbo dzine zvicherwa uko vanonyanya kukanganisika kana pakashaikwa mvura, zvikoro kana zvipatara.
Saka, sezvo nyika ichibva mukushandisa marasha nezvimwe zvicherwa zvine tsvina kuenda kune marenewable akachena se solar, nyanzvi dzinoti zvinodikanwa kuti kodzero dzemadzimai dziiswe pamberi.
Mudzimai wechidiki wekwaMutoko, Tapiwa Chionerwa, anoti shanduko iyi haifanirwi kuenderera mberi ichikanganisa madzimai.
> “Kodzero dzemadzimai dzagara dzichimbunyikidzwa, saka kana tichienda mu energy transition iyi ngationei kuti tava kuisa madzimai pamberi. Ngavataure zvavanoda uye zvavanotarisira, kwete kungomiririrwa nevarume vane masimba munyika,” akadaro Chionerwa.
Noeleen Kufa, mudzimai wechidiki wekuHwange, anoti madzimai vagara vachinetseka nekushaya simba remagetsi (energy poverty), saka shanduko iyi ngaione kuti dambudziko iri riri kugadziriswa.
> “Madzimai mazhinji havasi kuwana magetsi kana solar. Zvinoratidza kuti pane kakumbunyikidzwa karipo. Kana tichiti ngatishandise solar, madzimai mangani anokwanisa kuitenga? Tinofanira kumira tichitaura miono yedu,” akadaro Kufa.
Boka re EJWP rinovavarira kudzidzisa nekusimudzira madzimai kuti vazive kodzero dzavo uye vave neizwi rakasimba panyaya dze(energy), kuitira kuti varege kuramba vachimbunyikidzwa.
Nyaya ye just energy transition haisi kungoreva kushandisa marenewable energies chete, asi zvakare inoda kuti kodzero dzemadzimai dzionekwe, dzikudzwe, uye vasambunyikidzwa.
Ends/////