Public debt

Vechidiki ngavapinde muhurukuro dzechikwereti chenyika(public debt)


By Edith Mugabe

Sangano re Economic Justice for Women Project, rakabatana ne Trust Africa uye Youth Accountability Initiative rakaunganidza vechidiki vekumana akasiyana siyana kuti vapemberere zuva re Africa Day pamwe nekukurukura pamusoro pechikwereti chenyika (public debt)
 
Chikwereti chenyika zvinoreva mari inokweretwa nehurumende kumabhanga epamusoro sana World Bank,kana kunyika dzakaita sana China uyewo kumabhanga emunyika.

Mari iyi inokweretwa kazhinji kuita mabasa epundutso sekuvaka zvipatara,migwagwa nezvimwewo zvakadaro.
Chinozoita kuti chikwereti ichi chive mutoro kuruzhinji ndechekuti hurumende inozopedzisira yakutora mari dzaifanirwa kushandiswa muzvipatara,zvikoro nekumwewo,ichiripa vakaikweretesa.
Pakupedzisira nyika inorarama isina mishonga nemichina muzvipatara,zvikwanisiro muzvikoro nezvimwewo nekuda kwekuti mari inenge ichienda kuvakweretesi.

Zimbabwe parizvino ine chikwereti chinosvika $23 mabhiriyoni ekuAmerica.

Gungano iri raipembererwa pamusoro pedingindira rekuti “Beyond Debt: Reimagining Africa’s Future and Economic Transformation through Youth Voices and Creative Action.” 

Dingindira iri rinodudzira kuti kucherechedza pundutso yehupfumi hwemu Africa kuburikidza nehunyanzvi hwevechidiki.

Gungano iri rakakokorodza vechidiki  kuti vaite hurukuro pamusoro penhau yechikwereti chemunyika dzavo dzemuAfrica zviri kuramba zvichiwedzera uye kufambiswa kwemari zhinji zvisiri pamutemo kuti zvinokanganisa sei ramangwana ravo.

Vakavamba nhaurirano idzi muzvare Dr Bethule Nyamambi veku Trust Africa vakakurudzira vechidiki kuti vatore matanho uye kukwidza mazwi avo kuti chikwereti chenyika chipedzwe.

“Isu sevechidiki tinofanira kushanda zvakasimba kuti manzwi edu anzwike nevakuru, nyaya yechikwereti chenyika ndeyemunhu wese nekuti inokanganisa mararamiro emunhu wese uye ramangwana redu sevechidiki.” vakadaro Dr Nyamambi.


Mumiririri we Southern Africa Trust munyika ye Zimbabwe varizve Economic justice lead, muzvare Janet Mudzviti vakatsinidzira mashoko aDr Nyamambi vachiti vechidiki vanofanira kutora nhau yechikwereti chenyika senyaya inovakanganisa zvikuru.

“Vechidiki vanofanira kutora nhau iyi zvinehudzamu nekuiisa pahana, sevechidiki unofanira kufunga mwanasikana mudiki arikuroodzwa kumurume mukuru kwaari nekuti pamba pashaikwa mari, zvese izvi zviri kukonzerwa nenhau yechikwereti chenyika”.

Vakatsinhidzira zvekare kuti vechidiki vanofanira kuwanikwa panzvimbo dzinotsanangurwa nhau dzechikwereti chenyika uye panorongwa ramangwana ravo vachipawo miono yavo.

Muzvare Margaret Mutsamvi vanova Director wesangano re Economic Justice for Women Project vakaratidza kushushikana zvikuru pamusoro pematambudizko anosanganikwa nawo nemadzimai nevasikana mukunge nyika ine chikwereti.

Vakataura kuti kushaikwa kwemari mudzimba kuri kuwedzera matambudziko akawanda anosanganisira mhirizhonga mudzimba, kuroodzwa kwevanasikana vasati vasvika pazera rekuwanikwa uye kushaikwa kwemikana yekuti vanasikana vawane dzidzo yakanaka.

“Chikwereti chenyika chinokanganisa madzimai nevanasikana muAfrica, kunyanya muno munyika yeZimbabwe, kunyanya kana nyika dzichinetseka nekubhadhara zvikwereti, zvipatara zvinoshaiwa mishonga, vanasikana vanotadza kuenda kuzvikoro, vanhukadzi nevanasikana ndivo vanotakura mutoro mukuru wechikwereti chenyika, nhau dzekuroodzwa kwevanasikana vachiri vadiki dziri kuwedzera, mishonga muzvipatara amuna zvirikukonzera kuti pazova nekurasikirwa kwehupenyu hwemadzimai akazvitakura.