Celebral palsy zvinorevei muchiShona
Health

Celebral palsy zvinorevei muchiShona

Nyaradzo Chitungo 

Kana mwana achiita sekunge anonoka kuita kana kunonoka kugona zvaanenge achi tarisirwa pazera rake (delayed milestones) zvakaita sekugara, kufamba kana kutaura, hazvirevi kuti anenge akaroiwa kana kuti panenge paine kushinhwa kunenge kwakaitwa. Dzimwe nguva anenge ane inonzi Cerebral Palsy (CP)

Cerebral Palsy zvinoreva kuti uropi (brain) hwemwana iyeye hunenge hwakakanganisika. Kune mhando mbiri dzeCerebral Palsy. Kana uropi hwemwana hwaka kanganisika achiri mudiki "congenital cerebral palsy" uye kana uropi wemwana uchizo kanganisika atozvarwa kare apo ari pasi pe makore mashanu inenge ichinzi "acquired  Cerebral Palsy."

Kana uropi hwakakuvara mwana anogona kutadza kugara kana kugara akarereka (poor posture) kufamba kana kutaura. 

Chinokonzera Cerebral Palsy kana kuti CP muchi dimbu hachizivikanwi, asi pane zvinhu zvinowedzera mukana (risk factors) wekuti mwana aiite CP.

Kubereka mapatya (twins) kana vatatu (triplets) panguva imwe chete zvino kwanisa kukonzera kuti vana vaberekwe nguva isati yakwana kana kuti vaine huremu hushoma (low birth weight.) Izvi zvinogona kukanganisa kukura kweuropi hwevana zvoita kuti mukana wekuita Cerebral Palsy ukure.

Chimwe chinowedzera mukana wekuti mwana aiite CP kukwira kweBP  kana amai vaka zvitakura (Preeclampsia), izvo zvinozo vhiringidza kufamba kweropa, mweya wekufema  nechikafu chinoenda kumwana kuburikidza nechevakuru (placenta.)

Jaundice (maziso neganda zvinenge zvakaita ruvara rwe yero) inoitika kana muropa memwana maungana inonzi bilirubin inova mvura ine ruvara rweyero ino gadzirwa kana masoja emuviri (red blood cells) asakara kana kukuvara. Zvadaro, mvura iyoyo inogona kupinda muhuropi hwemwana yosvika ichino kanganisa dzimwe nzvimbo dzeuropi dzinoita kuti muviri ushande zvakanaka.

Meningitis ndiyo zvekare imwe inopa mukana wekuti mwana aiite CP. Inokonzerwa nekuzvimba kweganda rakavhara uropi ne musana (spinal cord). Kuzvimba uku kunogona kuvhara tsinga dzeropa zvotadzisa mweya wekufema kuti usvike kuhuropi.

Muchikamu chinotevera tichataura nezve mhando dze CP nekukanganisa kwadzinoita muviri.

This story was republished from Nyaradzo Chitungo's personal blog 

https://nyarieinsights.wordpress.com/2026/06/16/chii-chinonzi-cerebral-palsy/